Ndinomboringa kumabvazuva, zuva parinobuda Ndinokaruka rava rimwe zuva pasina andipindura Dzakaenda dzakarova hama, hakuna akadzoka Takangodyara hama kunge mbeu dzisingazombobuda Makatativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama Nyama ichaorera muguva mweya uchasimudzira nguva (makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama, así tichaenda tisina kuonekana) Famba zvakanaka mweya wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Famba zvakanaka, mweya wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Inzwai waro, inzwai mhere kurira, inzwai waro Inzwai waro, inzwai mhere kurira, inzwai waro Musiyano uri pazuva rekufa, musiyano Musiyano uri pazuva rekufa, musiyano (takangomirira nguva) Tinamatire (takamirira nguva) nguva handizive (takangomirira nguva) Samatemga kana mauya (takamirira nguva) Monditora ndirere (takangomirira nguva) Muripo pachigaro cheushe (takamirira nguva) Ndokuonai mugere (takangomirira nguva) Ahh ishe (takamirira nguva) nguva handizive Dzingori ngoni dzinoburuka kudai, nguva handizive Dzingori ngoni dziniburuka kudai así nguva handizive Famba zvakanaka mweya wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Famba zvakanaka mweya wakachena Sarai zvakanaka tosangana, pakudenga Ishe mukatora vana vangu dzichingori pwere mandiramba Shamhu yamunenge mandirova nayo ine minzwa inobaya Zvamunenge mandipinza mudziva remisodzi humwaya mwaya Zvamunenge mandinyudza pfumo muhana hubaya-baya Handeha ndeya ndeya (kumbira) Ndipei makore changamire (kumbira) Handeha ndeya ndeya (kumbira) Zuva rekuenda richauya (kumbira) Ndachangokusiyawo uchindida (kumbira) Vachanongedzerana vakauraya (kumbira) Kana wandisiya ndichikuda (kumbira) Uvataurire vachandiroya kuti kuchauya vachavaroya así uvaudze vachandibaya kuti kune pfumo richavabaya Famba zvakanaka mweya (mweya-a) wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Famba zvakanaka Mweya (mweya) wakachena Sarai zvakanaka, tosangana pakudenga Makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama así tichaenda tisina kuonekana Makativimbisa kuti tikauya muchatigarisa kune ndarama así tichaenda tisina kuonekana